Cherreads

Chapter 4 - C10

Chapter 10

Iye zvake Lee nakule ava vairatidza kuti vanhu vanowirirana zvavo wega waitongoona kuti vanhu vabonzwanana nekuti chero pakataura sekuru vacho zvokuti Leonard kuita musikana iye Lee wacho akatobva ati Hezvoo asi achitoseka zvikanzi nasekuru vacho

"Shuwazve tanga takuda kutobika doro semhuri yekwamai vako isu taive tototya kuti pamwe kuda zvirikubva kukusha kunoberekwa mai vake zvino taive tatoronga nehama dzako kuti aiwa ngatibike doro,tibikire mwana doro ..

Vakadaro sekuru vaya Lee achibva aseka akati

"Haaa imi mundikwanire .Imi mune makore mangani kule imimj

"Haaa muzaya ini ndine 25 iwewe une 27 and chinhu chaive chonyanya kutityisa ndechekuti hauna kana kumboitawo musikana wacho watakaziva taive totya semhuri shaaa .

Vakabva vasekedzana asi ipapo sekuru vakabva vati

"Wakagona zvako muzaya ..Welcome asi uyu munhu wotomujaira nekuti kare kake aiti kana akatsamwa airova chero ini mai vake

Ipapo vakabva vaseka vese zvikanzi naLee

"Kule zvimwe zvamuchiri kufungawo sooka zvinhu zvehumwana zviya here

"Haiwa hazvisi zvehumwana zviya wakandirova iwewe ndoda kukupfukira Renadhi

Vakabva vaseka zvakare vese ipapo kule vakati

"Vanhu vakuda kutienda kumakuwa tichibva pano talutosvikira kumakuwa nekuti ndatisosiya vanhu voenda kumakuva ..Handei zvedu kumota ..

Takabva takufamba kuenda kumota iyo fancago yered yaive yakaparker kumhiri kweroad .Takanopinda Lee achibva akugara kumberi nakule ini ndikagara kumashure zvikanzi naKule vaya

"Nhai zvako muzaya iwe zimurume rako iri rakakura richindirova zvimwe zvisingaiti ...Ndakakurira kumba kwavo ndikazobvako ndapedza kunyora form 4 chaiyo zvino murume wako uyu aindirova zvokuti hameno kuti aikanganwa kuti ndiri mai vake here aaa ini kutaura shuwa ndiri kugunun'una mumoyo mangu mune bundu ndoda kumupfukira

Vakadaro mukuseka vachobva vakuseka vese zvikanzi naLee

"Itai kuti tairwa kule cz mukati ndaikurovai zvoita sokuto ndaikurovai musona zvamaita ...

Akadaro Lee zvikanzi nasekuru

"Aiwa taisamborwa nekuti waingondirowa ende takatozviona kare kuti uri musoja iwewe ...

Tisati tabuda mumarobdera Lee akabva ati

"Kule hendei pachicjen inn apo dakutengera mukadzi wangu chikafu kubas akuseni haasati adya

Aaaa ndozvaifunga hake ini ndaive ndadhinda munya kuseni ndichibudisa maplates andaida kusuka kuseni haa ndakaurova munya wese waive mubhodho zvokuti ndajve ndakagyta zvangu ini ndakabva ndati

"Ndakaguta ini handisikuda chikafu

Ndakadari achibva acheuka kutarisa kumashure zvikanzi

"No bby mira ndikutengere chikafu kwatiri kuenda uko unogona kusanofarira chikafu chacho...

Ndakamuudza kuti ndaive ndakaguta ipapo mota yakabva yakufamba asi Lee achiita nyaya nakule vaya zvokuti vanga vakutaura dzimwe nyaya dzine chekuita nezvaiitika kunhamo and ivo vairatidza kunzwanana nekuti vaiziva vanhu vacho vavaitaura nezvavo ...Takasvika kumaraini kwacho paitive nekamufambo kubva mumarondera macho takasvika vanhu vachiimba vari kumakuva takabva tadzika Lee akanditarisa akati

"Are you oky

Ndakagutsurira musoro ipapo akabva akuti kuna kule

"Manje apa isusu tukufana kuenda kune varume avo ndoita sei nemunhu wangu ndomusiyana akagara mumota ..

"Vana mbuya vako vakazara apa muzaya huya kuno ..Mai Rue .Hey mai rue

Vainzi mai rue vacho vakabva vatarisa kwataive vakabva vadeedzwa nesign yeruoko ndokubva vauya asi vasvika vakabva vati

"Hiiii Renadhi ndiwe here nhai iwe

"Ndini mbuya murisei ko nematambudzikoka ..

"Arikuonekwa kani zvakaoma..Haaa Renadhi unorova weduweee ..Hesi zvako musikana

Vakadaro vomhorosa ini asi kule vaya vachibva vati

"Imi imbomirai kuzhangandira apa honaika torai muzukuru wenyu uyu gulez ..musikana wemuzaya wenyu saka mutoreiwo muende naye kune mamwe madzimai uko tozotaura kana tava kumba

Vakadaro.kule vaya asi mbuya vaya vakabva vatoseka vakati

"Gegegegegegegege yuwiii musikana waRenadhi chaiye here ..Renadhi kuita musikana haaa kunonaya mvura chete nhasi ..Wakuda kuroora zve muzukuru vangu haa pane chandichanzwa kuona musikana waRenadhi ..

Vakadaro mbuya mai Rue vaya vaive mbuya kuna Lee nekuti vaive mukadzi wasekuru vake hameno vapi vacho asi vaive mbuya vake saka ini ndaingotiwo mbuya ..Ko vanhu kushamisika kuti Lee aita musikana nhai sezvinhu zvisingabviri ....Ipapo Lee akabva ati

"Imbomiraiwo naye 2 minutes nhaika mbuya .

"Horaiti ...

Takabva takuenda kwaive nemadzimai vaiimba kuya ini nambuya mai Rue vakati

"Mafamba boe here

Vakadaro vondibvunza tichifamba kuenda kwaive nevanhu .vaiimba ndikati

"Ehe tafamba zvakanaka

Vachibva vati

"Maita zvakanaka mauya kuzotionawo haa magona chaizvo

Handina kuzodeera nekuti taive tasvika pane vanhu vaya vaiimba and vanhu vainditarisa chero vaiimba vacho vainditarisa vachiita sokuti varikutoimbira inini and ipapo mbuya mai Rue vaya vakabva vakuti

"Handei tinogara zvedu apo panana tete apo

Ndaingitevera mumashure mavo takasvika paive nemamwe madzimai mamwe akaita echikuru ndikaona mukadzi airatidza kuti ndiye aive afirwa wacho unongona nestate inenge ine munhu hazvibvunzwe ....Ndakagara pasi apa vanhu vaya vaive vanditarisa ndikati

"Makadii zvenyu

Vakandideera zvakanaka zvikanzi nevamwe mai

"Ndiyani ,Sorry nekubvunza panhamo hapabvunzwe zvapo munhu asi mabva nekupi

Vakadaro vamwe mai asi mbuya mai Rue vakabva vati

"Nhai tete mai Renadhi zvandakutangidzai kuziva muroora wenyu kkkkk zvanzu ndiye musikana waRenadhi iye wacho Renadhi aenda kune varume uko nabmnn Tapiwa ...

Mai vaya vakavhura maoko avo vakati

"Awuya muroora wangu tasanganjswa zvedu panhamo asi tasangana huya undimbundire makumbo angu orwadza handikwanisi kusimuka ..

Ndakasimuma ndoenda kunovambundira ndakaita zvokupfugama ini ndaive ndisina kumboziva kuti ndivo mai vaLee nekuti vanga vasina kumbofanana zvichida aive akafanana nababa vake nekuti aive asina kumbofanana namai ...ipapo ndakagara pasi ndikati

"Munofara here mama

"Hesi kani mwanangu

Vakadaro vachisekerera uye kuratidza kufarira zvisingaiti ..Zvikanzi

"Handina kumboziva kuti arikuuya Renadhi akati achaona kuti oita sei asi haana kuzondiudza kuti abudirira kuuya ..Waita zvakanaka mwanangu saka varisei zvavo vana mama wasiya varisei zvavo

"Ndavasiya vari right

Ipapo ndaive ndazoita zvokupeta makumbo angu kuratidza tsika ....Vachibva vakuudza vanhu vaivapo vakati

"Ndiye musikana wake wandaikuudzai nezvake uyu ndaisatomuzivawo asi ndakataura naye pafoni ...ZvaRenadhi here haazvioni kuti akura ipapa akufana kuroora munhu oitawo mhuri yake ..

Vakadaro mai vacho vamwe mai vandajve ndaudzwa kuti ndisisi vavo vakabva vati

"Hamutotendi mwari here kuti maratidzwa musikana wari kufambidzana naye mune kana mumwechete here wamaive makamboona nhai mainini... Ende musikana wacho anoratidza kuti munhu lwaye zvake

Vamwe mbuya vakadeera vachiti

"Imi tete munotoziva kuti mwana wenyu haadi kumhanyirwa

Vaidaro vachitaura namai vaLee avo vakabva vati

"Aiwa zvaRenadhi ndaive ndototya imi ndikati asi haarori here mwana wangu ....

Ipapo vari pakati pekutaura pakabva pataura vamwe baba vakaita zvokuderdzera nekuti vanhu vanga vatomira kuimba and vanenge vanga vamiswa neouti paida kutaurwa baba vaya vakabva vati

"Tokumborawo nzeve dzenyu kuno...

Ipapo vanhu vakatarisa ikoko kusanganjsora neni wacho zvikanzi nasabhuku vaya

"Tafusira hama yedu iyi ndinongoda kukutendai kune vese vauyawo kuchema nemhuri iyi ...

Vakaramba vachitaura uye vachipupukura kunaka kwemufi vachibva vati munhu aive apera kufusirwa saka vanhu vanga vakufana kudzoka zvavo kumba ...

Vanhu vakasimuka vototanga kufamba kuenda mai vaLee vakasimuka neni ndakaona sokuti vairwadziwa nemakumbo nekuti pavakasimuka pacho vakatoti

"Yoowe baba iwe ..Aaaa iwe makumbo acho achada here anondirwadza makumbo iwaya otondichembedza ....

"Munomboenda kwachoemba here kwachiremba

Ndakavabvunza mushure mekunge vasimuka vakati

"Haadi chiremba aya mwanangu ndakatsikiswa chiposwa kare chaiko chero kufamba chaiko ndaneta ipapa..Handeika vana maiguru ..

Takabva takufamba kuenda and ini handina kumbozoona kuti vana Lee Varipi asi mota yanga ichiripo zvikanzi namama

"Zvino aripi Renadhi wacho

Ipapo maiguru vanova sisi vavo vakadeera kuti

"Handei mainini tinonovaonera mberi ...

Takatoenda kumba kuya netsoka ndichifamba namama namaiguru vaya asi vaitotaurawo zvavo dzimwe nyaya ...Ipapo foni yangu yakaringer ndichibva ndaona Ari Lee ndakadeera zvikanzi

"Bby uripi

"Ndinana mama ,Ko imi muripi

"Ndiri pamota ukundiona here

"Ayehwa handisi tatodarika kumota kare

Ndakadaro ipapo mama vachibva vati

"Ndiyani ndiRenadhi here

Ndakati ehe aive iye vakati

"Muudze kuti tatove kumba kkkk

Ndakabva ndamuudza Lee wacho ndikati

"Tatove kumba

"Oky ndouya soon

"Oky

Akabva akata ..Takasvika pamba pacho paive nenhamo pacho mama vakati

"Mai guru chitopindai mumba ini handichapindi regai ndigare nemwana uyu panze apo honai haana kana waanoziva pano hazvizodi afire roniri

Vamwe vakadzi vakaseka vakati

"Tete mai Renadhi matanga chirungu kkkk Anofira roniri muroora wenyu .

Vakadaro vachiseka and ndaive ndakwazisana navo zvangu vanambuya vacho vechidiki vakati

"Haambofiri roniri muroora wenyu tinaye isu vanamaiguru vake ...

Mama vakaseka vakati

"Uoneiwo ..Ooh Zambia iri Muroora wangu hembe yako inozosviba iyi wauya neyekuchinja here

Iiiiii zvanzi yekuchinja apa ini ndaitoona kuti nguva dzinenge dzave kuma 4 chaiko ndichiri marondera and nguva iyoyo ndaifana kunge ndasvika kumba ...Ndakabva ndati

"Imi mosunga ripi, handina imwe hembe yekuchinja

"Aaaa saka kana usina ooh Zambeya iri usunge kana kuti mupeiwo chekusunga vasikana imi hembe yake isasvibe ....Hona mota yaTapiwa yasvika ndimo munana Renadhi

Vakadaro mai vacho ndakatarisawo ndikaona zveshuwa vaive vasvika ndikamuona achidzika mumota Lee wangu ndsibva ndanzwa kamwe kamoyo so kufarira Lee kunzwa kuti ndaimuda chaizvo zvisingaiti kunzwa kumuchiva chero ari kure neni ...

Ndakazotorawa nana mbuya vaya tikatanga kupa vanhu chikafu ini ndaigezesa vanhu maoko ipapo ndakapedza kugezesa vanhu vese uku zuva ragara pagomo vanhu vachidya zvavo pfungwa dzangu dzanga dzisisiri panzvimbo ndaive ndakufunga kumba kutaura chokwadi ...Vanhu vacho vese vaive vakasununguka zvavo and vakaratidza kundifarira kunyanya mai vacho vaioneka kuti varikufara zvisiri zvekupritenda ipapo vese vakabva vazoudzwa naLee kuti uyu ndiye muroora zukuru wenyu uyu asi akabva ati

"Kungoti tauya kunhamo asi ndichazonyatsouya zvedu asi ndiye wacho iyeye

Vana mbuya vacho vakaseka and ndakaona sokuti Lee aive asina kumboita musikana akazivikanwa nehama dzake zvese dzekwamai nedzekwababa ...Zvichida aive akamboita zvake musikana or vasikana asi haana kana mumwechete aizivikanwa kufamily kwake zvakandiratidza kuti aindida Lee ...Akatoenda neni oaive namai vake nababa vake akavaudza akati

"Baba ndine hurombo nenzira yandava kukuratidzai nayo musikana wandiri kufambidzana naye ....Zvave kuita sezvinhu zvisina basa asi nhamo yazongouyawo zvayo asi ini ndaida kuuya naye kumba kuti ndigokurayidzai pamwechete namama kuti ndiye musikana wandiri kufadzana naye wandiri handingati kufambidzana naye chete asi ndirikuda kumuroora .Zvaisaita kuti ndiuye naye pano ndotoenda musina kumuona mozongonzwa nevanhu kuti uya aive nehembe yakati ndiye musikana waLeonard ..Saka ndati ndikuratidzei asi kumba ndinouya handiregi ..Pandiri kuita off apa ndiri kuuya kumba .

Ipapo baba vacho vakabva vati

"Izvozvi zvamaita Gumbi magona chaizvo maratidza kukura and ndafara nazvo ...

Ipapo iye Lee anga akaita zvokuchonjomara akabva anditi

"Tyler ava ndivo mama nababa vangu ava ndivo vabereki vangu ...

Vabereki vake vaive vatiudzwa zita rangu saka ndakabva ndati

"Tafara nekukuzivai ivo vakadeerawo vakasununguka vakati aiwa nesuwo tafara ....

Vanga vachiratidza kufarira ..Ende ipapo Lee akabva ati

"Isu hatichamiri tati tingouyawo kubata maoko mwana uyu mwana wechikoro saka ipapa vanhu vekumba kwavo vakutomutsvaga nekuti ndatomurovhesa ..Vanhu vekumba kwavo havasi kuziva pakatoipa ,Hatichamiri isu ...

Akadaro atosimuka zvikanzi namai vacho

"Saka munosvika nguvai zvino ipapa

"Hameno ndukuda kutoperekedzwa nakule Tapiwa ndovadirira fuel ...Tyler handei shaa

Akadaro ndichibva ndakuuchirawo ndichiti

"Tichasvika kumba mama

Vakandideera vakati

"Usaregere ndapota hangu

Ipapo takabva takusimuka

Apa vana mbuya vacho vagotanga kunetsa Lee vachiti toda madrink ipapo Lee akabudisa 20 dollars akati

"Munokwana mese takubaya isu tichadzoka tokuonai ..

Ndakabva ndakuvaoneka ndikati

"Vana gogo tozoonana mosara zvakanaka ..

"Wagona muzaya ysazorega kudzoka zvauriwe ...Wotomujaira Renadhi uyu kana akakurova tora poto udzirere kuneso chaiko

Vakadaro vamwe mbuya vachiseka zvokuti chero neni wacho ndakaseka zvikanzi naLee

"Musafurire mukadzi wangu imi rovai venyu kumba kwenyu ..Handei bby

Akadaro atoita zvokundibata ruoko zvikanzi nevamwe

"Ko iko kufitana haiwa muzaya une choice shamwari ..

Lee akaseka achibva ati

"Bby pinda mumota

Ndakapinda kumashure iye ndokupindawo apa nguva dzanga dzatova kuma6 chaiko ndanga ndava worried akapinda kumashure kwandaive zvikanzi

"Bby you're worried I can see

Akazviona zvechokwadi ndanga ndava worried ndikati

"Ndatidzima foni yangu ndakushaiwa kuti ndoudza baba kuti chii

"Ko ukabva wangorega kudzoka kumba kwenyu

Akadaro ndakamutarisa ndichitovhunduka

Kana ndikakutii likai ndikupei ndinenge ndisinganyebi ndimi munondidzorera kumashure imi

Be blessed...

More Chapters