Cherreads

Chapter 13 - C19

*TRUE LOVE DON'T EXIST*

WRITTEN BY

AUTHORESS

MAY JAYDEN

NO UNDER 18 YEARS 😉

VERY ROMANTIC AND SENSITIVE STORY 📌📌📌📌

Chapter 19

Apa sekuronga kwese kwataiita taitowirirana kuti taizofamba sei uye kuti kumusha tairnda tese haana kana kumbobbira andiudza kuti haasi kuenda neni kumusha ndiko saka ndanga ndakuramba kuenda ndega nekuti haana kumbenge akandiudza kuti uchazoenda wega ...Munhu ongotanga kuti ari pabasa apa iye aiti anokumbira pabasa toenda asi apa anga akuti haasi kuenda ende ini ndakatofunga kuti kuda aisakwanisa kuenda neni zvemusi iwoyo asi musi wemarooro aizouya zvinonaisazotouya pese zvokuti ndaitozoroorwa asipo ..Ipapo pacho patainetsana nezvenyaya iyoyi kwaitove kuseni zvikanzi "Problem 1 iri pauri haunzwisisi Tyler dai uchimbopota uchindinzwisisawo nekunditerera semurume wako zvinoita easy anditi ,Manje zvinhu zvese zvandinotaura hauna kana chaunonzwa kana kuteerera kana kuita nguva imwechete unotoda kutanga warwa neni sezvinonzi imba yacho ndeye mahumbwe ..Mpara haapo pabasa akaenda kunhamo saka kana Mpara asipo ini maye tofana kunge 1 wedu aripo zvese izvi hauzvitereri chako chaunogona kuita kumhanya kufunga kuti handidiwe ende sei zvazodai bt iwewe nekufunga kwako unori inini kwangu kusada here kuenda kumarooro angu .Kwangu kusada kunoombera vana bambo vangu manje inini haaa rega kubhaiza iwewe hausati wakambonzwa vanhu vanonoroorwa here muridzi wemukadzi asipo asi anotorumira vanhu nekuti anenge abatika akundikana kuuya ...Mamwe madhiri aunoita anotopedza chido chese .

Ndakaramba mdakanyarara asi misodzi yeshungu ichibuda nekuti ini chandaida kwaive kunoroorwa nemurume wangu ndaive ndisati ndakambozvinzwa zvokuti murume anotumira vanhu kunoroora mukadzi wake ..Saka ainzi haapo wacho ndiMpara uyo aive akafirwa nemwana wake aive form 6 ...Mpara wacho ndaingonzwa kuti ndishefu here kudiiwe ..Ipapo pandakatanga kuchema akabva ati

"Pafeya chaipoka izvi zvinobhohwa izvi nxaaaa

Ipapo foni yake yakaringer ndokudeera akati

"Baba mamuka sei

Foni yaive paloud saka zvakadeera baba ndakazvinzwa vakati

"Tamuka mamukawo madii asimuka here muroora Lazzy atoponda marusape ..

Ipapo Lee akanditarisa achibva ati

"Lazzy ngaangotenga chikafu chiri palist chacho ouya nacho kumba ikoko then kana ndsita off next week tobva tazviita ..

Ipapo baba vakanzwika kuti

"Iyazveee ko zvadini ft nhai mwanangu tingaudza here vana tezvara kuti tavekuchinja zuva

Ipapo Lee akabva ati

"Saka toita sei baba nekuti ndaifana ndatanga off nhasi asi hazvina kutozoita sokudaro nekuti Mpara akafirwa nemwana manheru saka ndiye wandaida kusiya pabasa muno mucamp makazara mbavha uye vana vadiki chaivo vazhinji vacho masoja aripo .Chero nekunenge kuchida kuendea hapana kana anozvifambira kana mpara neni tisipo ..Chionai mamwe masoja arikutoenda kunhamo yeumwe wedu awirwa nedambudziko saka ndanzi nashefu ndisabve pabasa chindiudzai kuti ndiite sei pakadai ...

Ipapo baba vakabva vati

"Anditika zvese wazvitaura here nhai Renadhi saka sei takuramba tichidzokerera nyaya imwechete tawirirana wani kuti muroora auye tiite zvekunoroora..Mudzimai wako Ave pedo nekuda kuzvara .Ko izvo zvinozoita here kuti vana baba date riya ratakataura hatichauyi izvo pamwe vanhu vanenge vakatounganidza hama unoona zvichiita here ...

Ipapo Lee hana kuda kududza kuna baba kuti ini ndini ndairamba akabva angoti

"Regai ndikufonerei after 5 minutes uyu Lazzy ngaatenge zvinhu zvese zviri pabepa ..

"Horaiti

Vakadaro baba vachibva vakukata foni iye Lee akabva aramba akanyarara achibva azoti

"Effort yakaiswa nababa vachifambira kunotenga mombe kaaa pacho pavaifamba vachinotenga mombe dai uri mumwe wambodzidza kuita hunhu nekunzwisisa chaiko iwewe

Ndakaramba ndakanyarara ndikanzwa akufona ende anenge aitofinera sisi mai Courage nekuti ndakatonzwa kutaura kwavo apa vakadeera vachiratidza kufara iye Lee achibva ati

"Imbotauraiwo nemwana wamai venyu uyu haaa kamwe kakuita kaanoita kaaa anobhaiza .

Zvikanzi nasisi

"Ko aita sei

Iye akabva atsanangura zvikanzi nasisi

"Asi anopenga here nhai imi saka arikuti muchinjise vana baba date manje .

Vakadaro sisi mai Courage vachingovhengedzera munhu wayi asingagonewo kumira nemwana wamai vake ipapo Lee akabva ati

"Hameno gulez handichazivi ,Chero neni ndaitodawo kuenda asi ndiite sei pakadai ndiri kushanda kutsanga guru camp hombe yerusape rwese ko ndikabviswa,Ko basa rikapera mugoona ndine position yandirikuda kuiswa asi kana ndikaonekwaka kuti ndiri serious nebasa.Now handichatozivi kuti ndoita sei chero kutaura chinhu mumba muno sometimes ndinotonyarara kuri kutya kuti munhu anochema ..Kungotaura chino munhu atochema chino munhu atochema .Pamwe dai zvaiita hazvo kuti aroorwe husiku ndaiuya zvangu ndaingotofamba husiku ihwohwo hwandinochaisa asi zvinenge zvakutotangwa husiku chaihwo nekuti kuno ndinochaisa nahalf 7

Ipapo sisi vakabva vati

"Haiwa ngaarege kuda kutishupa Ty imi vanhu vanototuma vanhu vakawandisa kunze uku zvatangwa kuitwa nhasi here ..Mupei foni

Lee akabva anditi ooh ndakatambjra ndichiti

"Hello

"Utikwanire wazvinzwa hunhu hwepiko ihwohwo nahi iwe

"Hunhu hupi

"Mai mwana matomboroorwa zvenyu regai kuda kushaina nezvinhu zvisina basa imi.Vamqe takabvisirwa chii izvezvi kurumidza kuita zvukutaura murume wako asi unopenga here iwewe ..Zvinhu izvozvo zvinotoitika nguva yakareba sei usinganzwisise mumwe wako ..Ini tete vangu vakatoroorwa last week asi pamatotumwa vanhu kuti varoore nekuti zvinhu zviriko zvinoitika izvozvo kubvira makare kare saka sarudzo ndeyenyu mai mwana kuti marooro akanzurwe nekuda kwekusanzwisisa kwako .

Ndakabva ndaramba ndakanyarara zvikanzi

"Ukuzvinzwa here usabvuma kushandiswa nemhepo iwe

Ndakabva ndakata ndokuramba ndakanyarara..Ipapo lee akasimuka semunhu aida kuenda kubasa anga atogeza taive tatogeza tese akabva akupfeka uniform yake zvikanzi

"Ndakubaya pabasa ndokubata ndadzoka

Hezvo! Aaaa ko kumba nhai imi sei achiita semunhu anombopenga asi ...Apa ini ndaive ndakagara pacorner yebed ndakaita zvokurembedza makumbo ipapo amada kufamba kubuda asi ndakabva ndaiti

"Ddy

Akabva amira ndokutarisa kwandiri zvikanzi

"Urikudei Tyler ,Chindisiyawo ndiende kubasa

Ndakasimuka pandaive ndakagara ndokuenda paanga akamira akabva aramba akanditarisa ndakanga ndakuda kuchema nekunditarisa kwaanga akaita apa ini ndaive ndskushaiwa zvokutaura akabva atarisa dumbu rangu iro raive rooneka kuti munhu akurirwa ipapo akabva anditarisa akati

"Why uchida kuzvistresa nezvinhu zvisina basa Tyler uchenjere kuouvadzisa mwana wangu tikaburana

Handina zvandakadeera zvikanzi

"Ukunzwa here

Ndakangomutarisa zvikanzi

"Uchandikuvadzira mwana iwewe nekuti kamuitire kaurikuitaka hakasi bow

"Sorry

Ndochete zvandakataura asi akabva aramba akanditarisa akati

"Ndotaura newe ndabva kubasa

"Makuenda kubasa?

"Ehe

"Ko inini ndakuita sei

Ndakadaroka nekuti anga asingachatauri zvokuti ndiende kumba asi akabva ati

"Tozozviita kana ndava free

Ndakabva ndamumbundira ndikati

"Musadaro

Ndakadaro ndakuda kuchema zvikanzi

"Ndaita sei Tyler ini handichazivi zvaurikuda ini unomboziva here .

"Ndati sorry wani ndakuenda

Akabva amboramba akanyarara ndokuzoti

"Are you serious

Ndakabva ndagutsurira musoro ndokubva andibata zvakanaka nemaoko ake ese zvikanzi

"Tyler hakuna munhu anobvisirwa asingadiwe ukunzwa here ,Ndinokuda mwana iwewe, Unofana kumboteererawo zvinotaura murume wako .Handimurambidze kuyema ini asi mamwe maitiro acho aunozoitawoka anopedza Chido pafair chaipo

"Musadaro ddy

Ndakadaro achibva ati

"Ndukutokuudza why uchingofarira kundipikisa zvese zvandinotaura haugoni kudzikama here womboteererawo murume wako ipapa tokanzera marooro xuwa benyaya yakapusa kudai ...

Ndakazunguza musoro ndikati

"Sorry ddy ndakuenda

Akabva aramba akanditarisa ndokubva ati

"Wanga wapedza kurongedza here

"Ehe hnty ndakarongedza nezuro

Ndaive ndakangorongedza kabag kadiki kehembe dzake mbiri nedzangu madress matenet saka apa ndakabva ndakunobjdisa hembe dzake mubag muya zvikanzi

"Chichinja ndikuperekedze

Handina kuzoda kuitirana nharo naye bdakabva ndachinja paya pandakabva hembe akabva akundibata dumbu uku mwana ndokutanga kutamba tamba zvikanzi

"Ndichakusuwa .Apa urikunosara kumba .

Ndakabva ndati

"Aaaa kumba kupi "kenyu zveee nhai imi ndionereiwo mwana uyu kusachatoda kumba kwavo yakakuita munakirei nhai jwe

Ndakabva ndakuseka ndokpfeka dress rangu ndikabva ndakusunga dook nekuti ndaive ndakatorukwa free hand chaiyo ndaisamboda zvinonditemesa musoro zvinana. Ma1 1 evoo ndainzwa kusvotwa nazvo ini kutonzwa kutsva chaiko saja ndaitorukwa free hand chaiyo ...ndakabva mdakusunga dook rangu ndapedza ndikati

"Asi mukubva manondisungira nhai imi

"Ehe munhu arikunosungirwa ko dai wozorwadziwa uineni ndobata pai

"Saka imimi hamuchatombodzoki manje kusvika ndazvara

"Ndouya ndokuonazve zvagara vana baba vachatoda kundiziva saka next week pandiri kuita off ndouya nndichikuona ndichiwedzera zvinhu zvemwana hnty hatina kutenga mapamper kaa nemafuta ekuzora

"Ehe nebby powder luchipatara uakanzi inodiwa ndichakusenderai pic rezvimwe zvacho ...

Hatina kuzoramba tiri mumba akabva akubata mabag angu ese ari 2 twaingove tuma traveling bag rimwe raive nehembe dzemwana rimwe raive nedzangu ..Takabuda akabva akukiya door zvikanzi

"Handei

Takabva takuenda achindiperekedza akabata mabag uku tichiita nyaya ..Vanhu vaingotimhorosa vataisangana navo uye kuramba vakatarisa ...

Takaenda kunokwirirwa makombi ekuenda marusape mutown and kwaisambove kure zvako ndakatowana chipipipi changa chasara nevanhu 2 asi iye Lee akabva ati

"Vanhu 2 veiko mudhara pakamota kenyu aka muchisvina vanhu mukadzi wangu ngaagare akasununguka ndobhadara dola racho ,Pinda bby

Ndakabva ndakupinda asi ndakamutarisa iye ndokunditsonyera zvikanzi

"Bahabhai hnty .

Anga andipa mari asi akabva akubhadhara chipipipi chandaive ndakwira ndokunditambidza ft 15 dollars zvikanzi

"Ndasara ndisina kana sent

Ndakabva ndati

"Ayehwa handika mari mandipa here oyi iyi ..Mari yamandipa ndeyei oyi aaaaa

Ndakadaro ndichida kumupa akaramba ndikati

"Ddy kani oyiii

"Bby pane zvauchada kumberi ikoko pamwe yauinayo haizokwani zvaunenge uchida inini boe usatya

Apa mota yakabva yakufamba kuenda ndokubva asara murume wangu ...

Takaenda marusape umo mandakanosangana nabmnn lazzy avo vakabva vanditambira nemufaro vachitotora zvimabag mumota bekuti vanga vatondimirira parank chaipo zvichida vanga vaudzwa naLee kuti vandimirire ipapo vakabva vati

"Gulez gulez

"Hesi bmnn

"Murisei ,Ko kufitwa nhai imi

Ndakafunga kuti varikutaura kufitwa nehembeka asi kwakuti

"Kufitwa nekuremara so kuita sokuti makazvarwa makadai

Ndakabva ndaseka ndikati

"Mukwane imi

Vakabva vasek vachiti

"Otherwise murisey zvenyu

"Mushe murisei imi ,Kurisei kumba

"Haa zvese safe arisei mukomana

"Ariboe hake

"Haasi kushusha here

"Kana haasi uyo kkkk

Vakabva vaseka navoo zvikanzi

"Apa maita zvenyu kamusalad naro dumbu renyu iri muchazvara musikana

"Ndiye wandiri kutoda yuwiii apa scan yakati mukomana saka ndakatoona kuti ikunyeba ..

Vakabva vaseka vakati

"Ngatitengei zvukudiwa .

Takabva takutanga kutenga magurosa acho aidiwa vaingotenga macase case pazvinhu zvacho zvese and ndaiverenga mari yavakashandisa ipapo vakashandisa 280 dollars ..Tapedza vakati

"Pachirine chimwe here

"Ndane nzara ini

"Murikuda kudyei"

"Haa itomboitai zvechicken inn chaizvo

Vakabva vaseka ndokunonditengera tichibva tarnd akumota ...Vakadriver toenda kumba ini ndichidya zvangu ....

Munzira taiita nyaya Lee akabva afona apa aive ambofonera ft bmnn achibvunza kuti vaive vandiona here ..Apa akabva afonera inini zvikanzi

"Bby

"Ddy

Ndakaona bmnn vakusekerera iye Lee achibva ati

"Ndichakusuwa mukadzi wangu

"Iye haambosuwi cz ndiripo ende pacho panodiwa murume wacho ndini ndinenge ndiripo uchamama

Vakadaro bmnn vachiseka zvikanzi

"Hauzivi chete madirwe andinoitwa saka uchidaro ..Ndinomushaisa peace kana ndisipo mwana iyeye

Vakabva vasekedzana zbokuti ini naLee wacho hatina kuzombotaura akabva angoti mofamba boe hnty .achibva akata zvake ..Takatosika nguva dzichipo ende vanhu vakafara nekundiona senge vamwene vangu umm vaiita kushaiwa nezano chairo vachiratidza kufara zvandakaona kuti kwaive kufarira nhumbu yandaive nayo kufarira kuita mbuya chaiko zvokuti handina kana chandaida kunzi ndiite asi ini ndaitongoita nekuti ndaive muroora ....

Musi wemarooro wakasvika imi uku baba nemuzukuru vakatomukira kuisa mombe murori manzwa ndakaramba ndakatarisa mombe dzichiiswa mudanga zvokuti ndakati ndine chandichanzwa chete ndaive ndisina kumboona munhu anoroorwa zvakadaro ever since muupenyu hwangu hwese ...Mombe 12 nguva imwechete ummm zvakatondityisa ini nekuti tinonzwa kuti munhu anobvisirwa mombe 12 asi ndaive ndisina kana wandakamboona akadzibvisirwa 12 dzacho izvozvo zvenga zvakaita kuti ndicheme ende mombe dzakatadza kukwana murori makapinda 6 chete zhikanzi nababa ngadzidzike dzese dziite zvekutinhwa ....Dzakatinhwa nemuzukuru neumwe mukomana wemuraini imomo kuenda kumba kwedu kwaisambove kure zvakanyanya nekuti mavillage aiganhurana asi ari matandi ese ipapo ndakapfekawo zvakanaka semunhu arikunoroorwa ndakangopfeka dress raindifitawo ranga rakanakandakaenda ini nababa nabmnn lazzy na vamwene vangu ...Vana sisi ndaitaura navo vaitoti vakamira ndisu ende ndakatinzwa kuti vakamira ndisu shuwa nekuda kwenoise yaive pamba yeradio ...

Hazvina kutitorera nguva kuti tisvike kumba apa ndakatanga kunzwa hana yangu kurova tosvika bmnn Lazzy nemunyai ainzi muzukuru wavo vanga vakagara kumashure ini namama nababa kumberi ..Takasvika pamba ndikaona vekwedu vakaungana uye dzimwe hama dzivepo zvakare ...Ipapo baba vakabva vati

"Imi mombosara muno mumotikari muchadaidzwa zvenyu

Vakabva vadzika ndikasara namama avo vakabva vati

"Haaa ndizvo zvandaida izvozvi kumwana wangu unoziva muroora mwana akaitawo mudzimai so unosinunguka chaiko kunzwa kuti ndakazvara kwete kuti munhu anongogara nemwana wevanhu mahara haiwa kani ndinewo vana vasikana ini ndinoda kuti varoorwe seizvozvi zvinongofadzawo mubereki unoziva

"Yaa taurai zvenyu ...

Takanzwa vana baba voita gusvi vachiombera vachipinda mumba iro gusvi racho raideerwawo nevekwangu ..Ndakabva ndafonera lee akadeera achiti

"Mai mwana

"Mamuka sei

"Hapana apa ndiri pagraft ndukutonzwa kuboikana shaa dai ndiriwo ikoko

"Huyai kkk

"Haaa xaa pakaipa saka madii maenda here

"Ehe taenda tatosvika

Ipapo vakomana vemombe vakabva vasvika ...Ndakangoona vanhu kutarisa kani ndakaenderera mberi nekutaura naLee akazotaura namama ipapo vana sisi vangu vakauya kumota ndakatodzika ndikatanga kumbundirana navo tichiratidzana kusuwana ende vese vaivepo nevarume vavo ....Vese vaingoti

"Tiudze kuti wakashandisri shamwari tiitewo nekuti hazvisi zvega izvi haa tiudze Juju rawakashandisa

Ipapo vamwene vangu vaisazvinzwa nekuti vanga vaenda mumba .Ndakaseka ndikati

"Munopenga imi Juju rei asi

Zvikanzi nasisi mai Courage

"Usada kutinyebera Tyler tiri vana sisi vako isusu tiudzewo kani wakashandisa chii kuti uroorwe kudai iwe hazviitiki izvi kashoma chaiko munhu ouroorwa nedanga rese remombe kudaro handisati ndakambozvinzwa kutaura chokwadi

"Iye ngaangotaura zvakashandisa chete ndokutoti nyaya yacho ipere

Ndisisi mai Pee vakadaro ende ini handina kana chandaive mdakamboshandisa saka ndaitoseka zvikanzi nasisi mai Courage

"Apa rinojairira murume sei ,Bmnn vanogara vachicomplainer kuti zvanzi unopindurisa plus nharo zvadzo

Ndakabva ndati

"Munenge muchinyeberwa henyuzve nayeuchimuterera ,Veduweee murisei zvenyu

Takabva takukwazisana apa sisi mai Lebo vakutofonera Lee nevideo call zvikanzi

"Bmnn

"Eee gulez madii

Takabva takubuda tese pavideo paya ndikaona achisekerera murume wangu uku akapfeka uniform atori kubasa achibva ati

"Murisei mabby angu

Vana sisi vakadeera iye akati

"Haa guys makundirwadzisa manje kuti dai ndiripoo imbomira kundifonera muchindisvotesa mhani

Akadaro achiseka vakabva vasekedzana zvavo ende hatina kuzotaura zvinoenda kure nekuti ndaive mdadeedzwa mumba asi takabva takuenda tese nana sisi vangu ndokunopinda kuona baba vangu vari pabange nana mukoma vangu pamwechete nemamwe madzikoma avo baba maviri ... Ndakaona vatezvara vangu vakagara kumberi kwemba pasi chaipo pamwechete nabmnn nemunyai ..

Vana mama vanga vakagarawo kunogara vakadzi uku ndakabva ndaona mai vangu vachisekerera chaizvo varipo nemasisitwrs avoo plus vana maiguru vemumusha medu ..

Ini ndakatonogara pasi ndikati

"Makadii zvenyu baba ,Makadii vana mukoma.

Mumba maive nerunyarararo kaaa saka ndakati kuvabvunza mufaro ndinenge ndagona asi vakandodeera baba ndivo vakazondibvunza kuti vanhu ava ndaiva ziva here ndikati hongu ndovaziva zvikanzi varikuti ndivo vakakuroora ndikati hongu zviakanzi akakuroora wacho ndeupi ndikati

"Haapo akundikana nebasa asi atuma baba vake kuzondiroora ...

Vakadeera vakati

"Zvakanaka tati tizive tisati tatamvira mari ..Saka totambira zvedu here roora rako

Ndakadeera ndikati hongu .

Apa ndaive mdaenda kunogara pana mai vangu ndakatovazevezera kubamhorosa ..mndaive mdavasuwa mai vangu zvinhu zvakabviswa hameno mari dzaibviswa dzaive nemazita akafanana nana Titu tine mwana wenyu ....Mari dzemuripo aaa vaingobvisa baba nekuti zhinji dzacho ainzi ma50 dollars ma70 kana 100 ..Asi mukuramba mari ichibviswa baba vakasvika pavakati

"Tagumira pano homwe yapera ...

Vanhu vakabva vaseka asi kwese kwavaibva uku hapana pavakambosiya chikwereti vaikiriya kwese vachibva vati tichazodzoka ..

Vanhu vakaita mhurur apa ini ndaive ndanhingawi yangu 100 ...

Vanhu vakaridza mhurur kuratidza kufarira ende ipapo baba vatezvara vangu vakazivisa kuti mombe dzedanga tauya nadzo dzese

Mhururu yakaridzwa apa yakaita seichavhara nzeve dzangu imi vanhu vachifarira haaa havaimborega ndiyani wavakamboona akaroorwa nemombe 12 .....Kufara kwakaita hama dzangu kwakaita kuti ndiwedzere kuda murume wangu ..Baba vangu vakati

"Ndiwe here nhai mwana wangu Tyler munozjva mwana uyu ndaichema siku nesikati kuti pavamwe vese vakatadza iye ngaachiregawo kudaro ndikati zvakatadza vamwe vana vangu iye achazviita ..ndaigara ndichidaro and handina kuziva kuti zvichaita sekudaro ini handina remuromi Ty mwanangu ndatenda kubva pakadzika pemoyo

Vakadaro vouchira uku vamwe vachideerawo negusvi

Liker ucommende

Be blessed...

More Chapters